Zvino ndokunge kuine mumwe mukomana ainzi John, raiva duutuu rokupedzisira. Mukomana uyu akasvika pakuita tsvimborume asina mukadzi uye asina kana kumbotamba nemusikana zvisina kunaka. Hama dzake dzakanga dzototambudzika zvokuti dzakafunga zano rokumutsvagira mukadzi wokuroora. Sezvineiwo mudunhu umu maive neumwe musikana akanga ava tsikombi asi achine mazaimbikiti emazamu asina kana kumboyamwiwa. Vanambuya navanatete vaJohn vakataura nemusikana uyu ndobva abvuma kuroorwa naJohn.
Vaviri ava vagara zvavo mumba mavo asi nhamo yakava pakuti John akanga asingazivi kuti mukadzi anonzwii. Saka nguva dzose aingoti akapinda mugumbeze navadzimai vake ototanga kuridza ngonono kunge chimudhudhu chamuzvinapurazi chatadza kubuda mugoronga.
Mudzimai akazosvika pakuudza vanatete nyaya iyi. “Nhai vatete zvino murume wangu zvaasingagoni kana kubata iro zamu rangu risina kana kumbobatwa nemumwe murume, ko kuzoti mwana tinomuitawo riinhi?”
“A! Izvo hazvinetse. Iwe inda naJohn kuhuni. Kana masvika pamunzviro uya wepamhiri apo iwe wokwira kuti utanhe nzviro wobva wamuwetera mumusoro. Kana akakubvunza woti pakuwetera paweterewo. Kana oda kukuwetera zvinhu zvinongodaira semasikirwo azvo. Mopindawo muchuru chakahwanda”
Musikana akabva amhanya ndokunoti handei kuhuni kumurume. Murume semunhu aingova zungairwa haana kuita nharo. Vasvika pamuti musikana akaita sezvakanga zvataurwa. Akabisa bhurugwa ndokukwira mumuti ndokuwetera murume.
“Aikazve shamwari. Ko unondiwetera ndaita sei?” John akabvunza.
“Pakuwetera paweterewo.” musikana akapindura achipfipfinyika kuseka.
“Buruka uone. Unotonditanga zvako ini ndabva mukunwa kapu nhatu dzesvutugadzike.” John akapindura.
Musikana akaburuka ndokunyatsorara nemaji hembe akakunya kusvika kudumbu chaiko iwo makumbo akanzi waya. Shasha yakanyatsoti chombo chayo wewenu ndiye chorororo kuitira weti panhengo yemukadzi. Yapedza yakabva yadzorera chombo mubhurugwa ndokuti, “O ndakuweterawo.”
Musikana aona kuti zvaaida zvakanga zvaramba akamhanya kudzokera kunavanatete ndokuvaudza achiti, “Muzukuru wenyu kutondizadza maziweti ake akamira kure neni. Chinhu chake kana kutombopfakanyika zvacho, ini ndakamuvhurira zvese.”
Vanatete vaona kuti nyaya yakanga yakaoma vakafunga rimwe zano ndokuudza musikana vachiti, “Nhasi manheru mava kurara womuudza kuti chironda chawandiwetera chiri kuvava saka chinoda kukwenywa nechigunwe chisina nzara.”
Ava manheru musikana akaita sezvaakanga audzwa.
“John shaa, chironda chawandiwetera chiri vava, ndikwenyewo nechigunwe chisina nzara ichi.” Akadaro achibata nhengo yaJohn.
John paakangonogumisa nhengo yake pamusikana, kuronga kwamwari kwakabva kwashanda kwega. Nhengo yake yakabva yati mbikiti iye ndokutanga kunyatsokwenya nesimba. Nenguva isipi yakabva yati tobvi kupinda vaJohn vangu ndiye koi, koi, koi, ayi tava kutochemerera. Vadzimai semunhu akanga ava nenguva achishuwira murume hazvina kunonoka kudavirawo vese vari vaviri ndiye mhere yokunakirwa puvu.
Mangwana acho vanatete pavakaudzwa kuti zano ravo rakanga rashanda vakafara. Asi chakazovanetsa ndechokuti vari pakati pokufara kadaro John akabva adanidzira amire pachivanze achiti kumukadzi wake, “Nhai vadzimai, chironda chenyu hachisati chava kuvava futi here?”
Vanatete vakamboedza kumuudza kuti zvechironda chavadzimai hazvitaurwi pane vanhu John semunhu aiva duutuu hazvina kupinda mupfungwa. Saka pese paaive nyaya yakanga yangova yekukwenya chironda chavadzimai. Vemumusha make vakapedzisira vangoti ane benzi ndeane rake, kudzana kwaro unopururudza. Asi vakanga vongochenjererawo kuti asabvakache kumisha yevamwe pamwechete navadzimai vake.
Sezvineiwo kwakabva kwaita rufu kumusha kwavatezvara uyo waive chinhambo kubva kumusha kwaJohn uri nechemhiri kwerwizi. Hama dzaJohn dzakaona kuti hazvigoni kuti vamurambidze kunobata vanatezvara maoko uyezve aitongoinda pamwechete nemudzimai wake.
“Imi vanatete ndimi makazvitanga, saka motoona zvekuita. Otherwise tinononyadziswa kurufu uku.” Vamwe babamuni vaJohn vakadaro.
Vanatete zvakamboda kuvanetsa asi vakazofunga zano ndokuudza muroora wavo kuti, “Imi muri vaviri nemurume wako chiendai munoyambuka rwizi Mutorahuku nepamhiri pedziva reMutambambiti. Kana mava pakati porwizi wobva wati kumurume chironda chiya chatorwa nerwizi. Womunyengetedza kuti tozouya tichichitsvaga kana tava kudzoka. Asi usazorege achichiona tava kurufu uku.”
Vaviri vakananga nenzira yakanga yataurwa. Munzira vakapfuura imwe chembere yaiendawo kurufu. John akamboda kuti vafambidzane nechembere iyi asi mukadzi akaramba okanda nhanho semunhu aiziva nyaya yaida kutambika.
Vava kuyambuka rwizi mukadzi akanyepera kuita seapunzika ndokubva adanidzira achiti, “John! John! Chironda changu chatorwa nemvura!”
John paakanzwa kuti chironda chiya chekunaka chakanga chatorwa nemvura akakwakukira mudziva raive zasi kwezambuko ndokuita chamunyurududu achitsvaga chironda. Asi zvakashaya basa. Chironda akatadza kuchibata.
Asi shungu dzake dzaive pakuda kuwana chironda. “Vadzimai imi chiendai kurufu ini handibve pano ndisati ndachiwana. Kana ndachiwana ndozoteera nacho.”
“Aihwa John. Handei tese kurufu. Chironda tozochitsvaga tava kudzoka.”
“Kwete. Chinhogona kunhongwa nambuya aMary vari kutevera mushure.”
“Mbuya aMary havanyatsooni havambochiwana. Handei kani tava kunonoka.” John akabvuma zvake kuenda asi munzira mese aingofamba achicheuka, mwoyo uchirwadzira chironda chaakanda audzwa kuti charasika.
Kurufu vakasvika vakarara vachitamba zvavo ndokufumoviga munhu wavo mangwanani. John haana kumbotaura nyaya yechironda sechinhu chaaziva kuti chakanga charasika. Vakararazve rechifumi racho ndokumirira kuti nhumbi dzigovewe. John akamboda kufunga zvokuramba mukadzi nekumusiya kumusha kwake nekuti akanga arasa chironda ndokuudza vatete vake vaivepo asi vakamunyengetedza vachiti aiwa chironda chaizowanikwa pakudzokera kumusha.
Yasvika nguva yekugovewa kwenhumbi vanhu vakaungana vachiti varume divi ravo vakadzi divi ravo vakatarisana. Sezvineiwo Mbuya aMary vakabatwa nehope vagere nechemberi kwevanhu ndokukanganisa kugara. John akambenge akatsikitsira asi paakasimudza musoro akabva aona inga chironda chemukadzi wake chiri pana Mbuya aMary.
Rume rakakwakuka richidanidzira. “Vadzimai! Vadzimai! Chironda chenyu chakanongewa. Ndachiona chakanongewa. Huyai muchitore.”